Isaiah 27:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa iro Jehova ucapura ɀiyo kubvira pamvura yoRwizi kuȿikira parukoʋa rweEgipita; imi mucaʋuŋganidzwa, muciita mumŋe‐mumŋe, imi ʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro Jehovha achapura kubva panoyerera Yufuratesi kusvikira paRukova rweIjipiti, uye imi vaIsraeri, muchaunganidzwa muchiita mumwe mumwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusi iwoyo kubvira kuRwizi rweYufuratesi kusvikira kuKakova keIjipiti, Tenzi achapfuura achikunongererai mumwe nomumwe imi vanhu veIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imi vana vaIsiraeri.
Shona 2009?
Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imwi muchaunganidzwa, muchiita mumwe-mumwe, imwi vana vaIsiraeti.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva iro Jehovha achapura zviyo kubvira pamvura yoRwizi kusvikira parukova rweIjipiti; imi muchaunganidzwa, muchiita mumwe–mumwe, imi vana VaIsiraeri.