Isaiah 27:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini Jehova ndini muceŋgeti wawo; ndicauɗiridza ŋguʋa imŋe neimŋe; ndicauceŋgeta masikati noʋusiku, kuti urege kutadziwa nomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ini Tenzi ndini muchengeti wawo ndinoudiridzira nguva dzose. Kuitira kuti pasave naanouparadza ndinouchengetedza siku nesikati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadziwa nomunhu.
Shona 2009?
Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadziwa nomunhu.