Isaiah 27:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka nenzira iyi ɀakaipa ɀaJakobo ɀicadzikinurwa; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀose ɀokubviswa kweɀiʋi ɀake, kana aciita mabge ose eartari aʋe samabge omunyaka akaputswa‐putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuʋa ɀirege kuzomiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa, uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake: Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswaputswa, hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuwira zvichasiyiwa zvakamira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka naizvozvo chitadzo chevokwaJakobho chichazoregererwa, izvozvi ndouchava mubayiro wokuregererwa kwechitadzo chavo. Paachaita kuti mabwe ose eatari abhwadutsirwe pasi somunyakwe somunyakwe kuti mwarara, hapana chifananidzo chokunamata chinomiririra Ashera kana atari dzorusenzi dzichasara dzimire;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikinurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.
Shona 2009?
Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikunurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikinurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose eatari ave samabwe omunyaka akaputswa–putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.