Isaiah 28:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi ɀamakati: Takaita suŋgano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, icipfuʋura, haiŋgaȿiki kwatiri, nokuti nhema takadziita ʋutiziro bgeɗu, takandoʋanda pasi pokunyeŋgetera;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti makatika imi, “Takaita chibvumirano norufu tikaita chitsidzirano neNzvimbo yeVachakabvu, panozopfuurawo shamhu yokuranga ichirakasha, haimbotisvika, nokuti isu takaita kuti kunyepa kuve ndokwatinohwanda nako, nhema dziri bako ratinohwanda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi zvamakati, “Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi pokunyengetera;”
Shona 2009?
imwi zvamakati, "Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro bwedu, takandovanda pasi pokunyengetera; "
Shona SUB 2002 Bible
Imi zvamakati, “Takaita sungano norufu, takatenderana neSheori, kana shamhu, inokukura, ichipfuura, haingasviki kwatiri, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, takandovanda pasi pokunyengetera;”