Isaiah 28:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋguʋa imŋe neimŋe kana icipfuʋura, icakutorai; nokuti masikati noʋusiku, maŋgwanani namaŋgwanani, icapfuʋura; kucaŋgotyisa ɓedzi kunzwisisa mharidzo yakaɗaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure; mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku, ichakukura.” Kunzwisisa shoko iri kuchauyisa kutya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva yose yainopfuura ichakurova ichapfuura mangwanani oga oga uye masikati nousiku. Kunzwa chete zvainoreva kuchava chinhu chinokutyisa kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nokuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura; kuchanotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro.
Shona 2009?
Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nokuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura, kuchangonotyisachetekunzwisisa mharidzo yakadaro.
Shona SUB 2002 Bible
Nguva imwe neimwe kana ichipfuura, ichakutorai; nokuti masikati nousiku, mangwanani namangwanani, ichapfuura; kuchanotyisa bedzi kunzwisisa mharidzo yakadaro.