Isaiah 28:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova ucasimuka seɀaakaita pagomo rePerazimi, ucatsamŋa seɀaakaita pamupata weGibeoni; kuti aɓate ɓasa rake, iro ɓasa rake rinoshamisa, nokuita iɀo ɀaanoita, ɀinoshamisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni, kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki, uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye nokuti sezvakaita Tenzi paGomo rePerazimu achasimuka uye sezvaakaita muBani reGibheoni, achashatirwa agoita zvinhu zvake, zvinhu zvake zvisina akamboona agoshanda basa rake basa rake risina akamboriona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibheoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.
Shona 2009?
Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibhiyoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita pagomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita pamupata weGibheoni; kuti abate basa rake, iro basa rake rinoshamisa, nokuita izvo zvaanoita, zvinoshamisa.