Isaiah 28:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo regai kuʋa ʋaɗaɗi, kuti ɀisuŋgo ɀenyu ɀirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kunaShe Jehova wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino chiregai kudada kwenyu, nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai; Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino imi zvokudada regai, majoti enyu angadaro akabva anyatsosungwa chaizvo kuti nganganga nokuti ndakanzwa ini chirevo, chirevo chokuparadza munyika mose zvamo chinobva kuna Tenzi Tenzi wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.
Shona 2009?
Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa.