Isaiah 29:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuʋona kwose kwaʋa kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu unogona kuraʋa, ɀicinzi: Ƌoraʋa hako iɀoɀi; iye ndokuti: Handigoni, nokuti rwakanamirwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka chioneso chaizvozvi zvose chave semazwi ebhuku rakanamwa. Kana vanhu vakaripa kuno munhu anogona kuverenga vachimuti, “Verenga bhuku iri.” Iye anoti, “Handikwanisi, nokuti rakanamwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuona kwose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu anogona kurava, zvichinzi, “Dorava hako izvozvi;” iye ndokuti, “Handigoni, nokuti rwakanamirwa;”
Shona 2009?
Kuona kose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu anogona kurava zvichinzi,"Dorava hako izvozvi;" iye ndokuti, "Handigoni, nokuti rwakanamirwa;"
Shona SUB 2002 Bible
Kuona kwose kwava kwamuri samashoko orugwaro rwakanamirwa, runopiwa munhu anogona kurava, zvichinzi, “Dorava hako izvozvi;” iye ndokuti, “Handigoni, nokuti rwakanamirwa;”