Isaiah 29:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo tarirai, ndicapfuʋura ndiciita pakati paʋanhu aʋa ɓasa rinoshamisa, ɓasa rinoshamisa necishamiso; ʋucenjeri bgaʋakacenjera ʋaʋo ʋucapera, nenjere dzaʋanhu ʋaʋo ʋakaŋgwara dzicaʋanzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare nechishamiso pamusoro pechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera huchaparadzwa, zivo yavane zivo ichapera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo chinzwai, ndichaita zvakare zvinoshamisa vanhu ava zvinhu zvinoshamisa zvinokatyamadza. Ungwaru hwavakachenjera vavo huchaparara. Kunzwisisa kwavanonzwisisa vavo kuchavanzwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa.”
Shona 2009?
naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa."
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo tarirai, ndichapfuura ndichiita pakati pavanhu ava basa rinoshamisa, basa rinoshamisa nechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera vavo huchapera, nenjere dzavanhu vavo vakangwara dzichavanzwa.”