Isaiah 29:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muʋumbi wehari wakaenzana nevu here, kuti cakaitwa citi pamsoro pomuiti waco: Iye haanakundiita; kana cakaʋumbga citi pamsoro pomuʋumbi waco: Iye haanenjere?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munoshandura mamiriro ezvinhu, sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu! Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba, “Iye haana kundiita?” Ko, hari ingati kumuumbi, “Iye haana chanoziva?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munovhiringidza zvinhu zvose. Muumbi ndiye anganzi ndiye mutapo here? Muumbi anganzi ndiye munyakwe here? Kana chinhu chakaitwa choti kuna akachiita, ‘Haaziriye akandigadzira.’ Chinhu chakaumbwa choti, kune akachiumba, ‘Haanzwisisi.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari akaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho, “Iye haana kundiita”; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho, “Iye haana njere?”
Shona 2009?
Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari akaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho, "Iye haana kundiita"; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho, "Iye haana njere?"
Shona SUB 2002 Bible
Haiwa, kutadza kwenyu! Ko muumbi wehari akaenzana nevhu here, kuti chakaitwa chiti pamusoro pomuiti wacho, “Iye haana kundiita”; kana chakaumbwa chiti pamusoro pomuumbi wacho, “Iye haana njere?”