Isaiah 29:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iʋo ʋanopomera munhu mhaka nokuɗa kweshoko, ʋanoteyira munhu musuŋgo, unoraira ʋamŋe pasuʋo, ʋanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano‐mano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
avo vanopomera munhu mhosva neshoko chete, vanoisira musungo kuna anoruramisira mudare, uye nouchapupu hwenhema, vanokonesa kururamisirwa kwavasina mhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vanoti kana nezwi rimwechete ravanominunutsa, voita kuti munhu atonzi apara mhaka; vanotoita zvokuteya kwazvo munhu anoraya vamwe padare rokusuo guru vanoti namazwi asina maturo munhu ane nyaya inonzwika aendeswe nyaya yake isina kutongwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ivo vanopomera munhu mhaka nokuda kweshoko, vanoteyira munhu musungo, anoraira vamwe pasuo, vanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano-mano.
Shona 2009?
ivo vanopomera munhu mhaka nokuda kweshoko, vanoteyira munhu musungo, anoraira vamwe pasuo, vanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano-mano.
Shona SUB 2002 Bible
ivo vanopomera munhu mhaka nokuda kweshoko, vanoteyira munhu musungo, anoraira vamwe pasuwo, vanoramba kururamisira wakarurama nemhaka dzamano–mano.