Isaiah 3:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai, Ishe, Jehova wehondo unotorera Jerusarema naJuda mutsigiro nomuɗonɀo, mutsigiro wose weɀokudya, nomutsigiro wose wemvura;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti Tenzi Tenzi wehondo nehondo ava kubvisa muJerusaremu nemaJudha zvose zvinovararamisa nezvinovatsigira zvinoti: chokudya chose chinovararamisa, nechokunwa chose chinovararamisa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;
Shona 2009?
Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;