Isaiah 3:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe Jehova wakati: Ʋakunda ʋeZioni ɀaʋanamanyawi, ʋacifamba nemitsipa yakati tasa, ʋaciita meso‐meso, ʋacifamba ʋacinzenzeta, ɀiri pamakumbo aʋo ɀiciti ŋgwereŋgwere,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, nokufamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ari kuti, “Pamusana pokuti vanasikana veZioni vanozvikudza vachifamba vakarebesa kwazvo mutsipa vachidingaringa kwazvo nemesomeso vachifamba vachigogodeka, mumakumbo umu, ndarira dzichingwengwereka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyezve Jehovha akati, “Vakunda veZioni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,
Shona 2009?
Uyezve Jehovha akati, "Vakunda veZiyoni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,
Shona SUB 2002 Bible
Uyezve Jehovha akati, “Vakunda veZioni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita meso–meso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,