Isaiah 3:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋacamanikidzwa, mumŋe acimanikidza mumŋe, nomumŋe nomumŋe nowokwake; mŋana ucaʋa namanyawi kunaʋakuru, nowakaɀidzwa kunounokudzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vachabatisana pfumvu chaiyo, munhu woga woga achidaro kuna mumwe wake munhu wose achidaro kune waakagarisana naye wechidiki oitira vakuru misikanzwa, dzenga romunhu richidaro kune anoremekedzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunoanokudzwa.
Shona 2009?
Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunowanokudzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kuno anokudzwa.