Isaiah 3:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musi uyo munhu ucaɓata munuŋuna wake mumba maɓaɓa ʋake, aciti: Iwe uneŋguʋo, ciʋa mutoŋgi weɗu; kuparadzwa uku ŋgakugadzirwe noruʋoko rwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume achabata mumwe wavanun'una vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu akatora mukoma kana munun'una womumba achiti, “Iwe unotova nechokupfeka zvako ndiwe ungatova mutungamiriri wedu uye murwi wamatongo uyu utongwe newe zvako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musi uyo munhu achabata munun'una wake mumba mababa vake, achiti, “Iwe une nguo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.”
Shona 2009?
Musi uyo munhu achabata munun'una wake mumba mababa vake, achiti, "Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako."
Shona SUB 2002 Bible
Musi uyo munhu achabata munun'una wake mumba mababa vake, achiti, “Iwe une nguo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.”