Isaiah 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jerusarema raparadzwa, Juda wawa; nokuti marimi aʋo namaɓasa aʋo anopesana naJehova, kutsamŋisa meso ake anokubginya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Jerusaremu yawondomoka, Judha yakoromoka nokuti zvavanotaura nezvavanoita zvinopesana naTenzi, zvinozvidza kuvapo kwake kuno mukurumbira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.
Shona 2009?
Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha awa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.