Isaiah 30:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mukati: Kwete, ticatiza takataȿa mabiza; saka mucatiza ɀenyu; ʋuye ɀe: Ticataȿa mabiza anomhanyisa; saka ʋanodziŋgana nemi ʋacamhanyisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mukati, “Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;” saka muchatiza zvenyu; uyezve, “Tichatasva mabhiza anomhanyisa;” saka vanodzingana nemi vachamhanyisa.
Shona 2009?
mukati, "Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;" saka muchatiza zvenyu; uyezve, "Tichatasva mabhiza anomhanyisa;" saka vanodzingana nemwi vachamhanyisa.
Shona SUB 2002 Bible
mukati, “Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;” saka muchatiza zvenyu; uyezve, “Tichatasva mabhiza anomhanyisa;” saka vanodzingana nemi vachamhanyisa.