Isaiah 30:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucashatsa sirveri yakafukidza mifananidzo yenyu yakaʋezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaʋumbga; ucairashira kure secinhu cakashata; ucati kwaciri: Ibva pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muchasvibisa zvifanananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchaona sezvinhu zvakan'ora zvifananidzo zvokunamata zvakanamirirwa nesirivha yako nezvifananidzo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa zvakanamirirwa nendarama yako. Muchazvirasa serengenya rine tsvina muchiti, “Ngazvitibvire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, “Ibva pano.”
Shona 2009?
Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, "Ibva pano."
Shona SUB 2002 Bible
Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, “Ibva pano.”