Isaiah 30:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucaimba rwiyo, seɀinoitwa ʋusiku kana mutambo mutȿene ucitambga; mucaʋa nokufara kwomŋoyo, wakafanana nowomunhu unoenda aciridza nyere kugomo raJehova, kuɗombo raIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye muchaimba sapausiku hwamunopemberera mutambo mutsvene; mwoyo yenyu ichafara sezvinoita vanhu vanokwira kugomo raJehovha, nokuDombo raIsraeri, vachiridza nyere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchaimba rwiyo serwousiku hunochengetwa zuva guru rinoera muchifara mumwoyo umu sezvinoita munhu anopinda munzira aine mumhanzi wenyere achikwira kugomo raTenzi kuna iye Bako raIsiraeri
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara kwomwoyo, wakafanana nowomunhu anoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsiraeri.
Shona 2009?
Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara komoyo, wakafanana nowomunhu anoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara kwomwoyo, wakafanana nowomunhu anoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsiraeri.