Isaiah 30:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuroʋa kwose kwetȿimbo yakatumŋa, yaacarobga nayo naJehova, kucaitwa nokurira kweŋgoma nembira; ucarwa naʋo nokurwa kucaʋazunuŋgusa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovha netsvimbo yake yokuranga, ichaenderana nerwiyo rwamakandira norudimbwa, paacharwa navo muhondo noruoko rwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shamhu yose yose yokuranga yavanorohwa naTenzi, inenge ichipembererwa nomumhanzi wengoma nezvipendani; achiita hondo, muruoko shamhu achiivheyesa mudenga achirwisana navo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurova kwose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; acharwa navo nokurwa kuchazunungusa.
Shona 2009?
Kurova kose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; acharwa navo nokurwa kuchazunungusa.
Shona SUB 2002 Bible
Kurova kwose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; acharwa navo nokurwa kuchazunungusa.