Isaiah 30:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa; ɀirokwaɀo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; ɗutu riri’po mŋoto nehuni zhinji; mŋeya waJehova, wakafanana norwizi rwesurferi, ucaɀipfutidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tofeti yakanguri yagadzirira; yakagadzirirwa kare kugamuchira mambo. Gomba rayo romoto rakadzikiswa rikapamhamiswa, uye pane moto wakawanda nehuni zhinji; kufema kwaJehovha, sorukova runopfuta nesafuri, kuchazvitungidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti nzvimbo yokupisira yakatogadzirirwa kare yokuitira mambo iyeyu, yakatogadzirirwa kare. Gomba rayo rakaitwa rakadzika uye rakafutunurwa kwazvo pamwechete nemoto nehuni zvakawanda, femo raTenzi rinoita sekakova kedombo regwenya ndorinoritungidza moto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa; zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesariferi, uchazvipfutidza.
Shona 2009?
Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa, zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesariferi, uchazvipfutidza.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Tofeti rakagara ragadzirwa; zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesariferi, uchazvipfutidza.