Isaiah 31:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanenhamo ʋanoɓurukira Egipita kundotȿaka kuɓatsirwa, ʋanotenda mabiza, ʋanoʋimba neŋgoro dzokurwa nokuti izhinji, ʋuye naʋataȿi ʋamabiza nokuti ʋanesimba kwaɀo, asi haʋatariri kunoMutȿene waIsraeri, kana kutȿaka Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro, vanovimba namabhiza, vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza, asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri, kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vane nhamo vanhu vanodzika kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro vachivimba namabhiza, vanovimba nengoro dzehondo pamusana pokuwanda kwadzo, vanovimba navarwi vamabhiza pamusana pokuti vakasimba kwazvo asi vasingatarisi kuna iye Anoera weIsiraeri kana kubvunza Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vane nhamo vanoburukira Ijipiti kundotsvaka kubatsirwa, vanotenda mabhiza, vanovimba nengoro dzokurwa nokuti izhinji, uye navatasvi vamabhiza nokuti vane simba kwazvo, asi havatariri kuno Mutsvene waIsiraeri, kana kutsvaka Jehovha.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible