Isaiah 31:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaEgipita ʋanhu, haʋazi Mŋari, namabiza aʋo inyama, haazi mŋeya; ɀino kana Jehova acitambanudza ruʋoko rwake, unoɓatsira ucagumburwa nounoɓatsirwa ucawira pasi, ʋose ʋacapera pamŋe cete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari, mabhiza avo inyama uye haasi mweya. Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake, uyo anobatsira achagumburwa, uyo achabatsirwa achawa; vose vachaparara pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIjipiti vanhu, havasi Mwari uye mabhiza avo ndinyama, haasiri mweya. Tenzi akatambanudza ruoko rwake mubatsiri iye achatatarika iye anobatsirwawo wacho achaputsika vagoparara pamwechete;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa noanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.
Shona 2009?
Zvino vaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa nowanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaIjipiti vanhu, havazi Mwari, namabhiza avo inyama, haazi mweya; zvino kana Jehovha achitambanudza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa noanobatsirwa achawira pasi, vose vachapera pamwechete.