Isaiah 31:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova kwandiri: Ɀakaita seshumba nomŋana weshumba ɀinoʋombera cayaɓata; kunyaŋge ʋafudzi ʋazhinji ʋakakokerwa kuzorwa nayo, haiŋgavunduswi namanzwi aʋo, haiŋgaʋi nehanya nokupopota kwaʋo; saiɀoɀo Jehova wehondo ucaɓurukira pamsoro pegomo reZioni napamsoro pecikomo caro kuzorwa naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha kwandiri, “Sezvinoita shumba inoomba, seshumba huru pamusoro pechayabata, kunyange mhomho yose yavafudzi ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi, iyo haingavhundutswi noruzha rwavo, kana kukanganiswa nemhere yavo, saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Tenzi akanditi, “Sezvinoita shumba kana kuti shumba ichiri kuzvinzwa inohon'era mhuka yayabata kana vafudzi vakokerwa kurwisa haityisidzirwe nokuzhamba kwavo kana kuvhundutswa noruzha rwavo. Ndizvozvowo zvichaitwa naTenzi wehondo nehondo, achaburukira paGomo reZioni kuzorwisa pachikomo charo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, “Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namazwi avo, haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZioni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, "Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyange vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namanzwi avo. haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZiyoni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naJehovha kwandiri, “Zvakaita seshumba nomwana weshumba zvinoombera chayabata; kunyangwe vafudzi vazhinji vakakokerwa kuzorwa nayo, haingavhunduswi namazwi avo, haingavi nehanya nokupopota kwavo; saizvozvo Jehovha wehondo achaburukira pamusoro pegomo reZioni napamusoro pechikomo charo kuzorwa navo.