Isaiah 32:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana kwapfuʋura gore namazuʋa, mucatambudzika, imi ʋasinehanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiriŋga kucakona, ŋguʋa yokuʋuŋganidza haiŋgaȿiki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti mugere zvakanaka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure menguva ndikindiki inongoti pfuurei gore, muchazvishayira pazvo, iyemi vakadzi munozviti ndisu pano nokuti zvokusvina waini panenge pasisina uye zvokukohwa, panenge pasisina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasine hanya; nokuti kukohwiwa kwamadzambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.
Shona 2009?
Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imwi vasine hanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasina hanya; nokuti kukohwiwa kwamazambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki.