Isaiah 32:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti imba yamambo icasiyiwa, guta rinaʋanhu ʋazhinji ricaita ɗoŋgo; cikomo nenhare ɀicashanduka mapako nokusiŋgaperi, panofara mbizi, namafuro eɀipfuwo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe dzichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti muzinda wamambo uchazongosara wakadaro guta ranga rizere navanhu richasara risisina vanhu chikomo nenharire pokutaririra zvichava matanga narini wose anofarirwa nemadhongi omusango mokufura zvamo zvipfuwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;
Shona 2009?
Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo;