Isaiah 32:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɓenzi rinotaura ɀoʋupenzi, mŋoyo waro unoita ɀakaipa, ɀaanoita ɀinomhura Mŋari, nokureʋa ɀiŋgarasha ʋanhu pamsoro paJehova, ɀaanorega kugutisa mŋeya waʋanenzara, nokushaisa ʋanenyota cinonwiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinorasa vanhu pamusoro paJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rema romunhu rinotaura zvenhema pfungwa dzaro dziri pakuronga kuita zvakaipa napakuita zvisingadiwe naMwari richitaura zvisiri izvo pamusoro paTenzi. Ane nzara anomuregera nenzara yavo vane nyota nenyota yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa.
Shona 2009?
Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, moyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinomwiwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa.