Isaiah 33:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unenhamo, iwe unoparadza, usino‐kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyeŋgera, asi haʋanakukuitira nokunyeŋgera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newe ʋo ucaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyeŋgera, ʋacakuitira nokunyeŋgera newe ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Une nhamo iwe, muparadzi, iyewe usati wamboparadzwa! Une nhamo iwe, mupanduki, iyewe usati wambopandukirwa! Paunorega kuparadza, iwe uchaparadzwa; paunorega kupandukira, iwe uchapandukirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvichakuwana iwe muparadzi, iwe usina kumboparadzwa iwe woujarijari usina ani akambokuitirawo ujarijari! Paunongomira chete kuparadza unobva waparadzwa, paunongogumisa kuita ujarijari, unobva waitirwa ujarijari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.
Shona 2009?
Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.
Shona SUB 2002 Bible
Une nhamo, iwe unoparadza, asina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.