Isaiah 33:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Marudzi aʋanhu acaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemŋa, inopiswa nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Marudzi achapiswa kunge suko; vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndudzi dzavanhu dzichaita sedzapiswa kuita rota seminzwa yatemerwa pasi ikapiswa mumoto.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.
Shona 2009?
Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, semhinzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.