Isaiah 33:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiye unofamba nokururama, unotaura ɀakarurama; iye unoshoʋora fuma yakawanikwa nokunyeŋgera, unozuza maʋoko ake aciramba fufuro, unodziʋira nzeʋe dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, unotsinzina meso ake kuti arege kutarira ɀakaipa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu anofamba noururami achitaura zvakarurama, anosema upfumi hunowanikwa nokuonesa vanhu ndondo, anozunza maoko ake kuti arege kubata pfumbamuromo, anodzivira nzeve kuti arege kunzwa zvokudeura ropa, anozarira maziso ake kuti arege kutarisa zvinhu zvakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora pfuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;
Shona 2009?
Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora fuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;
Shona SUB 2002 Bible
Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora pfuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa;