Isaiah 34:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiŋgadzimŋi ʋusiku namasikati; ʋutsi bgayo ʋucakwira nokusiŋgaperi; ricaʋa ɗoŋgo kuȿikira kumarudzi namarudzi; hakunomunhu uŋgapfuʋura noko nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe; hapana munhu achazopfuura napozve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
siku nesikati isina anogona kudzima utsi hwayo huchatogoka mudenga nokusingaperi. Ichagara chizvarwa nechizvarwa isina anoishandisa hapana anenge achipfuura nemo kudzamara narini wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi.
Shona 2009?
Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi.