Isaiah 34:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tȿakai pabuku yaJehova, muraʋe; hapanecimŋe ceɀinhu iɀi cicashaikwa, cicashaiwa shamŋari yaco; nokuti muromo waŋgu wakaraira iɀoɀo, nomŋeya wake wakaɀiʋuŋganidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava: Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, kana chichashaya shamwari. Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo, uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvitsvakei izvozvi muchazviverenga muBhuku raTenzi, hakuna nechimwe chaizvozvi izvi chichazenge chisimo zvose zvichange zviri chikono nechikadzi nokuti ndizvo zvatemwa nomuromo waTenzi Mweya wake ndouchazviunganidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.
Shona 2009?
Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.
Shona SUB 2002 Bible
Tsvakai mubhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza.