Isaiah 34:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakaɀikandira mijenya, ruʋoko rwake rwakaɀiganhurira nyika norwonzi; icaʋa yaɀo nokusiŋgaperi, ʋacagara’mo kuȿikira kumarudzi namarudzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anozvigovera migove yazvo; ruoko rwake runozvigovera nechiyero. Zvichava zvazvo nokusingaperi uye zvichagaramo kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwe nechimwe akachipa mugove wacho akazvitarira mutsetse noruoko rwake achizvigovanisa uchava mugove wazvo narini wose. Zvichagara imomo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
Shona 2009?
Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
Shona SUB 2002 Bible
Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika netambo; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.