Isaiah 35:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ricatumbuka ɀizhinji, nokufara kwaɀo nomufaro nokuimba; ricapiwa kunaka kukuru kweRebanoni, noʋukomba bgeKarmeri neSharoni; ʋacaʋona kunaka kukuru kwaJehova, ibgo ʋukomba bgaMŋari weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Richanyatsoti namaruva akawanda tsvete rigopembera nokufara nokuimba, richapiwa mbiri yeRebhanoni nokuyevedza kwakaita sekweKarimeru nekweSharoni. Vachaona mbiri yaTenzi nomukurumbira waMwari wedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Richatumbuka zhizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.
Shona 2009?
Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba bweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.
Shona SUB 2002 Bible
Richatumbuka zhizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.