Isaiah 35:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo pacaʋa nomugwagwa, nenzira, icanzi, Nzira yoʋutȿene; unetȿina haaŋgafambi nayo, asi icaʋa yaʋo; ʋanofamba nayo, kunyaŋge ari mapenzi, haʋaŋgarashiki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo pachava nomugwagwa; uchanzi Nzira yoUtsvene. Vane tsvina havangazofambi mairi; ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo; vakaipa namapenzi havangazofambi mairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imomo muchava nomugwagwa mukuru uchanzi, “Mugwagwa Unoera.” Vakan'ora havafambi nawo. Hakuna benzi richafamba nawo kundorasisa vanenge vatsaukira kwairi. Kunyange mapenzi avanhu chaiwo haamborasika zvawo imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, “Nzira youtsvene;” ine tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.
Shona 2009?
Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, "Nzira youtsvene;" ane tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, “Nzira youtsvene;” ine tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyangwe ari mapenzi, havangarashiki.