Isaiah 36:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mukuru waʋatariri akati kwaari: Tenzi waŋgu wakandituma kunatenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana‐kundituma here kuʋanhu ʋagere pamsoro poruȿiŋgo, kuti ʋadye ndoʋe yaʋo nemvura yaʋo pamŋe cete nemi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wenyu nemi chete ndisingatauriwo kuvarume vagere parusvingo, ivo vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yavo kufanana nemi here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda akati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo izvozvi varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mukuru wavatariri akati kwaari, “Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?”
Shona 2009?
Asi mukuru wavatariri akati kwaari, "Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?"
Shona SUB 2002 Bible
Asi mukuru wavatariri akati kwaari, “Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?”