Isaiah 36:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musaterera Hezekia, nokuti ɀanzi namambo weAsiria: Yananai neni, muɓuɗirei kwandiri, mudye mumŋe nomumŋe muzambiriŋga wake, mumŋe nomumŋe muʋonde wake, mumŋe nomumŋe mvura yetsime rake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake uye achanwa mvura inobva muchitubu chake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei mubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya zvake muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya zvake michero yomuonde wake, munhu wose achinwa mvura yomutsime rake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, “Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
Shona 2009?
Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, "Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
Shona SUB 2002 Bible
Musateerera Hezekiya, nokuti zvanzi namambo weAsiria, “Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;