Isaiah 36:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, aciti: Jehova ucatirwira. Ko mumŋe waʋamŋari ʋamarudzi wakagona kurwira nyika yake paruʋoko rwamambo weAsiria here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Musarega Hezekia achikutsausai achiti, ‘Jehovha achatirwira.’ Ndimwari weipi nyika zvayo akamborwira nyika yake muruoko rwamambo weAsiria?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chenjererai. Hezekiya uyu angadaro akakufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’ Pamarudzi ose, pana mwari here akanunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti, ‘Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
Shona 2009?
Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti, `Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
Shona SUB 2002 Bible
Chenjerai kuti Hezekiya arege kukugombedzerai, achiti, ‘Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?