Isaiah 36:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo weAsiria akatuma mukuru waʋatariri abve Rakishi aende Jerusarema kunamambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziʋa rokumsoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weAsiria akatuma mutariri mukuru wezvomumuzinda make nehondo huru kubva kuRakishi kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu. Akasvikomira padyo nomugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokuMunda woMusuki waMachira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.
Shona 2009?
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekiya nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.