Isaiah 36:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waiceŋgeta imba, naShebna munyori, naJoa mŋanakomana waAsafi, gota guru, ʋakaenda kunaHezekia, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakamuʋudza mashoko omukuru waʋatariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wehondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Eriyakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya vabvarura hanzu. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekia, vakabvarura nguo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.
Shona 2009?
Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekia, vakabvarura nguvo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekiya, vakabvarura nguo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.