Isaiah 36:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukuru waʋatariri akati kwaʋari: Ɀino imi muti kunaHezekia: Ɀanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Kuʋimba uku kwaunoʋimba nako ndokwei?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukuru wehondo akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti, ‘Zvanzi namambo mukuru, iye mambo weAsiria: Uri kuvimba nei chaizvo?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutariri mukuru uya wezvomumuzinda akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukuru wavatariri akati kwavari, “Zvino imi muti kuna Hezekia, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?’
Shona 2009?
Mukuru wavatariri akati kwavari, "Zvino imwi muti kuna Hezekia, `Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?'
Shona SUB 2002 Bible
Mukuru wavatariri akati kwavari, “Zvino imi muti kuna Hezekiya, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?’