Isaiah 36:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, unoʋimba nomuɗonɀo worutsaŋga urwu rwakavunika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, rucapinda muruʋoko rwake, rukamuɓaya; ndiɀo ɀakaita Farao mambo weEgipita kunaʋose ʋanoʋimba naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarira zvino, unovimba neIjipiti, ruya rushanga rwomudonzvo rwakavhunika, runobaya ruoko rwomunhu nokumupa vanga kana azendemira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino, chinzwa, uri kuvimba neIjipiti norutsanga zvarwo urwo rwakatyoka, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwamuri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Shona 2009?
"Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwamuri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.