Isaiah 36:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uŋgagona seiko kukunda mukuru mumŋe kuʋaɗuku ʋaʋaranda ʋatenzi waŋgu? Ɀino woʋimba neEgipita kuti upiwe ŋgoro namabiza naʋo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungagona seiko kukunda mubati mumwe wavabati vadiki vatenzi vangu, kunyange uchivimba nengoro dzeIjipiti navatasvi vadzo vamabhiza?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurokota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisa iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti uwane ngoro dzehondo navachairi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
Shona 2009?
Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
Shona SUB 2002 Bible
Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?