Isaiah 37:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo Hezekia wakati aciɀinzwa, akabvarura ŋguʋo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Hezekia akati anzwa izvi, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvakasvika munzeve dzamambo, Hezekiya akabvarura hanzu dzake akapfeka masaga, akapinda mumba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehovha.
Shona 2009?
Zvino mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguvo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo Hezekiya akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake, akafuka makudza, akapinda mumba maJehovha.