Isaiah 37:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Isaya mŋanakomana waAmozi, akatuma shoko kunaHezekia, akati: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ɀawanyeŋgetera kwandiri pamsoro paSanheribi mambo weAsiria,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaya mwanakomana waAmozi akatuma shoko kuna Hezekiya rokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Pamusana pokuti wanamata kwandiri nezvaSenakeribhu mambo weAsiria.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekia, akati, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paShanheribhi mambo weAsiria,’
Shona 2009?
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekia, akati, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSaniheribhi mambo weAsiria,'
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, akatuma shoko kuna Hezekiya, akati, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhu mambo weAsiria,’