Isaiah 37:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
heri shoko rakataurwa naJehova pamsoro pake: Mhandara, mukunda weZioni, wakakushoʋora nokukuseka; mukunda weJerusarema wakakudzuŋgudzira musoro wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake: “Mhandara Mwanasikana weZioni anokuzvidza uye anokuseka. Mwanasikana weJerusarema anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvataurwa naTenzi nezvake ndezvizvi: “Iri kukushora inokuzvidza mhandara yeZioni. Ari kutozunguza zvake musoro shure kwako mukunda weJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, ‘Mhandara, mukunda weZioni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.’
Shona 2009?
heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, `Mhandara, mukunda weZiyoni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.'
Shona SUB 2002 Bible
heri shoko rakataurwa naJehovha, pamusoro pake, ‘Mhandara, mukunda weZioni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.’