Isaiah 37:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hauna‐kunzwa here kuti ndakaɀiita kare, kuti ndakaɀiraira neŋguʋa dzokutaŋga‐taŋga? Ɀino ndakaraira ɀiitike, kuti iwe uʋe muparadzi wamaguta akakombga namaȿiŋgo, aʋe matoŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hauna kunzwa here? Izvi ndakazviita kare. Ndakazvironga pamazuva akare; zvino ndaita kuti zviitike, nokuti wakaparadza maguta akakomberedzwa akava mirwi yamatombo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvaive mumwoyo mangu kwenguva ndefu hazvisati zvakusvika munzeve nhai, zvandakaronga kare kare pasichigare, zvandava kutozoita iye nhasi zvokuti maguta ane tsvingo uaite mirwi yamatongo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.
Shona 2009?
"Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.
Shona SUB 2002 Bible
“Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazvirayira nenguva dzokutanga–tanga? Zvino ndakarayira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.