Isaiah 37:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: Ɀanzi naHezekia: Nhasi izuʋa rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuɀidzwa; nokuti ʋana ʋakaȿika pakuɀarwa, asi hakunesimba rokuɀara naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva renhamo nokutukwa uye kunyadziswa, sezvinoitika kana vana vakasvika pakuzvarwa asi simba rokusununguka pasina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakandomuti, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi uno izuva rokusuruvara, zuva rokutsiurwa, zuva rokufumurwa, nokuti nguva yokuti vana vachiberekwa yasvika, asi simba rokuvasununguka hapasisina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia, ‘Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rokuzvara naro.
Shona 2009?
Vakati kwaari, "Zvanzi naHezekia, `Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rokuzvara naro.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rokuzvara naro.