Isaiah 37:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro pamambo weAsiria: Haaŋgapindi muguta rino, kana kuposhera museʋe imomo, kana kuȿika pamberi paro nenhoʋo, kana kututira gomo revu kwariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, “Haazopindi muguta iri kana kupfura museve pano. Haazosviki mberi kwaro nenhoo kana kuvaka gomo revhu pariri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo panyaya yamambo weAsiria uyu zvanzi naTenzi; ‘Haambopinda muguta rino kana museve, haamborikanda. Hapana nhoo yaanomborivheyesera, kana kuriumbira nevhu kurusvingo chimusana chenzou kuita pokupindamo napo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, ‘Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhoo, kana kututira gomo revhu kwariri.’
Shona 2009?
"Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, `Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu kwariri.'
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, ‘Haangapindi muguta rino, kana kupotsera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhoo, kana kututira gomo revhu kwariri.’