Isaiah 37:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa waJehova akaɓuɗa, akaʋuraya ʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana namakumi masere neɀishanu pamisasa yaʋaAsiria; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakawana ɀaʋa ɀitunha ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi akaenda akauraya vanhu zana rezviuru rine zviuru makumi masere nezvishanu. Pakafumomuka vanhu mangwanani, onei ivava vose zvangova zvitunha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
Shona 2009?
"Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino mutumwa waJehovha akabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.